Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 10:38-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.

39. “Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti,

40. asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 10