Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 10:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.

11. Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana.

12. Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.

13. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.”

14. Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.”

15. Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.”

16. Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga.

17. Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.

18. Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 10