1. Mubhuku rangu rokutanga, Teofiro, ndakanyora pamusoro pezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu
2. kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga, shure kwokunge arayira, kubudikidza noMweya Mutsvene, vapostori vaakanga asarudza.
3. Shure kwokutambudzika kwake, akazviratidza kuvanhu ava akaratidza zviratidzo zvizhinji zvokuti iye akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari.