Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 9:27-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”

28. Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi!

29. Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.”

30. Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu.

31. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.

32. Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu.

33. Dai munhu uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”

34. Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze.

35. Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, zvino akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?”

36. Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”

37. Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”

38. Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.

39. Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 9