Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 8:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.”

8. Akakotamazve akanyora pasi.

9. Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo.

10. Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?”

11. Iye akati, “Hapana, Ishe.”Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Chienda zvino uye usiye upenyu hwako hwechivi.”

12. Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”

13. VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”

14. Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.

15. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.

16. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handizi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.

17. Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.

18. Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”

19. Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?”Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 8