Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 8:55-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

55. Kunyange musingavazivi, ini ndinovaziva. Dai ndanga ndati handivazivi, ndingadai ndava murevi wenhema semi, asi ndinovaziva uye ndinochengeta shoko ravo.

56. Baba venyu Abhurahama vakafara pavakafunga kuti vachaona zuva rangu; vakariona uye vakafara.”

57. VaJudha vakati, “Iwe hausati watombova namakore makumi mashanu okuzvarwa, asi unoti iwe wakaona Abhurahama!”

58. Jesu akapindura akati, “Abhurahama asati azva-rwa ini ndaivapo!”

59. Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 8