Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 8:34-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anoita zvivi ndiye muranda wechivi.

35. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi.

36. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.

37. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.

38. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.”

39. Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.”Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, ipapo maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama.

40. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai.

41. Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.”

42. Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma.

43. Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura.

44. Imi muri vababa venyu, diabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo.

45. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri!

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 8