Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 8:12-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”

13. VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”

14. Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.

15. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.

16. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handizi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.

17. Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.

18. Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”

19. Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?”Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”

20. Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

21. Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.”

22. Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’ ”

23. Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handizi wenyika ino.

24. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”

25. Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?”Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye.

26. Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 8