Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 8:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi.

2. Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise.

3. Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka

4. uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe.

5. MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?”

6. Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake.

7. Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.”

8. Akakotamazve akanyora pasi.

9. Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo.

10. Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?”

11. Iye akati, “Hapana, Ishe.”Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Chienda zvino uye usiye upenyu hwako hwechivi.”

12. Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”

13. VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”

14. Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.

15. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 8