Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 7:45-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”

46. Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”

47. VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?

48. Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 7