Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 7:3-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. vanun'una vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.

4. Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”

5. Nokuti kunyange vanun'una vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.

6. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.

7. Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.

8. Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”

9. Akati areva izvi, akagara muGarirea.

10. Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanun'una vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.

11. Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Munhu uya aripiko?”

12. Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”

13. Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.

14. Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwira kutemberi uye akatanga kudzidzisa.

15. VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 7