Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 7:10-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanun'una vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.

11. Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Munhu uya aripiko?”

12. Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”

13. Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.

14. Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwira kutemberi uye akatanga kudzidzisa.

15. VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”

16. Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.

17. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.

18. Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.

19. Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 7