Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 6:66-71 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

66. Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.

67. Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?”

68. Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.

69. Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”

70. Ipapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!”

71. Akanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 6