Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 3:17-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.

18. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.

19. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa.

20. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.

21. Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”

22. Shure kwaizvozvo, Jesu navadzidzi vake vakabuda vakaenda kunyika yeJudhea, uko kwaakandogara navo kwechinguva, uye akabhabhatidza.

23. Zvino Johaniwo aibhabhatidza paAenoni pedyo neSarimu nokuti pakanga pane mvura zhinji, uye vanhu vakanga vachiramba vachiuya kuti vazobhabhatidzwa.

24. (Panguva iyi, Johani akanga asati aiswa mutorongo.)

25. Nharo dzakamuka pakati pavamwe vadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro penyaya dzokuzvinatsa nokushamba.

26. Vakauya kuna Johani uye vakati kwaari, “Rabhi, uya murume wamakanga muinaye mhiri kwaJorodhani, iye wamakapupura nezvake, onai, ari kubhabhatidza, uye vanhu vose vari kuenda kwaari.”

27. Johani akapindura achiti, “Munhu anongogamuchira chete zvaanenge apiwa zvichibva kudenga.

28. Imi pachenyu mungandipupurira kuti ndakati, ‘Ini handisini Kristu, asi ndakatumwa mberi kwake.’

29. Mwenga ndowechikomba. Shamwari inoshandira chikomba inomira ichimunzwa uye inozara nomufaro painonzwa inzwi rechikomba. Mufaro uyo ndowangu, uye iye zvino wakwana.

30. Anofanira kuva mukuru; ini ndinofanira kudukupiswa.

31. “Uyo anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavose; uyo anobva panyika ndowenyika, uye anotaura somunhu anobva panyika. Uyo anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose.

32. Iye anopupura zvaakaona nezvaakanzwa, asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.

33. Munhu anohugamuchira, anopupura kuti Mwari ndowechokwadi.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 3