Saka vamwe vadzidzi vakamuudza vakati kwaari, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.”