Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 20:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva uye akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova.

2. Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!”

3. Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva.

4. Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanyisa kukunda Petro uye akatanga kusvika paguva.

5. Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda.

6. Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi,

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 20