Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 20:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva uye akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova.

2. Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!”

3. Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva.

4. Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanyisa kukunda Petro uye akatanga kusvika paguva.

5. Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda.

6. Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi,

7. pamwe chete nomucheka wokuvigwa nawo wakanga uri mumusoro waJesu. Mucheka uyu wakanga wakapetwa uri woga, wakaparadzaniswa nomumwe mucheka.

8. Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda.

9. (Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.)

10. Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo,

11. asi Maria akaramba amire kunze kweguva achichema. Achiri kuchema kudai, akakotama kuti atarire muguva

12. akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 20