Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 2:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pazuva rechitatu muchato wokuwana wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo,

2. uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu.

3. Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.”

4. Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.”

5. Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”

6. Pakare ipapo pakanga pana makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 2