Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 14:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.

15. “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.

16. Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,

17. iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.

18. Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.

19. Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu.

20. Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri.

21. Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 14