Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 14:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.

2. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.

3. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.

4. Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.”

5. Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?”

6. Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

7. Dai maindiziva chaizvo mugadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”

8. Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.”

9. Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’

10. Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo.

11. Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona.

12. Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.

13. Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa.

14. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.

15. “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.

16. Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,

17. iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 14