Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 12:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.”

22. Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu.

23. Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti mwanakomana woMunhu akudzwe.

24. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda.

25. Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi.

26. Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.

27. “Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei panguva ino?’ Asi, ndizvo zvandakauyira panguva ino.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 12