Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 11:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Jesu aida Marita, nomunun'una wake uye naRazaro.

6. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri.

7. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.”

8. Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?”

9. Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino.

10. Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.”

11. Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.”

12. Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.”

13. Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.

14. Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa,

15. uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.”

16. Ipapo Tomasi (ainzi Dhidhimo) akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.”

17. Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.

18. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema,

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 11