Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 11:27-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”

28. Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi munun'una wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”

29. Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari.

30. Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita.

31. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.

32. Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”

33. Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika.

34. Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?”Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.”

35. Jesu akachema.

36. Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”

37. Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kudzivisa munhu uyu kuti arege kufa?”

38. Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 11