Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 11:13-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.

14. Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa,

15. uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.”

16. Ipapo Tomasi (ainzi Dhidhimo) akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.”

17. Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.

18. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema,

19. uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo.

20. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.

21. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

22. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”

23. Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”

24. Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”

25. Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;

26. uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”

27. Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 11