Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 10:8-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.

9. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.

10. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.

11. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.

12. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.

13. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.

14. “Ndiani mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,

15. Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.

16. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.

17. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.

18. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”

19. Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.

20. Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”

21. Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”

22. Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,

23. uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.

24. VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 10