Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 10:29-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.

30. Ini naBaba tiri vamwe.”

31. VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,

32. asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”

33. Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”

34. Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’?

35. Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi,

36. zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?

37. Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu.

38. Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”

39. Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka.

40. Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ipapo

41. uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”

42. Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 10