Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 10:22-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,

23. uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.

24. VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”

25. Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,

26. asi hamutendi nokuti hamuzi makwai angu.

27. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.

28. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.

29. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.

30. Ini naBaba tiri vamwe.”

31. VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,

32. asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 10