Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 10:16-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.

17. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.

18. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”

19. Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.

20. Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”

21. Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”

22. Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,

23. uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.

24. VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”

25. Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,

26. asi hamutendi nokuti hamuzi makwai angu.

27. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 10