Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 10:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.

2. Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai.

3. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.

4. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.

5. Asi haatongoteveri mweni; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”

6. Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.

7. Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.

8. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.

9. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.

10. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 10