Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 5:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya.

6. Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi.

7. Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso.

8. Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.

9. Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo!

10. Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe.

11. Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere nenyasha uye nengoni.

12. Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 5