Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 4:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here?

2. Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari.

3. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.

4. Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.

5. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru?

6. Asi unotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti:“Mwari anodzivisa vanozvikudza,asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

7. Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

8. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

9. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 4