Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 3:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.

9. Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari.

10. Mumuromo mumwe imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.

11. Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?

12. Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.

13. Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.

14. Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.

15. “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori.

16. Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.

17. Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

18. Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 3