Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 3:5-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto.

6. Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.

7. Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira uye nezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu,

8. asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.

9. Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari.

10. Mumuromo mumwe imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.

11. Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?

12. Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.

13. Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.

14. Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.

15. “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori.

16. Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 3