Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 1:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, Kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai.

2. Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,

3. nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.

4. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.

5. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

6. Asi paanokumbira, anofanira kutenda uye asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye richimutswa-mutswa nemhepo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 1