Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 3:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kunowakaipa.

4. Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai.

5. Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.

6. Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri.

7. Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi,

8. uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri.

9. Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere.

10. Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.”

11. Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe.

12. Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 3