Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 3:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira.

13. Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.

14. Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare.

15. Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama.

16. Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.

17. Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose.

18. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 3