Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 3:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri.

2. Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva pano wakaipa, nokuti havasi vose vanotenda.

3. Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kunowakaipa.

4. Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai.

5. Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.

6. Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri.

7. Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi,

8. uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 3