Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 2:6-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira.

7. Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa.

8. Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake.

9. Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana,

10. uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa.

11. Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema

12. uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa.

13. Asi tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama dzinodiwa naIshe, nokuti kubva pakutanga Mwari akakusarudzai kuti muponeswe nebasa rokuchenesa roMweya uye nokutenda chokwadi.

14. Akakudanirai izvi nevhangeri redu, kuti mugovane mukubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

15. Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.

16. Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka,

17. ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 2