Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 2:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika.

3. Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.

4. Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari.

5. Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi?

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 2