Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama,

2. kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika.

3. Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 2