Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 1:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.

9. Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake,

10. pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.

11. Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka uye basa rose rakamutswa nokutenda kwenyu.

12. Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 1