Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 9:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Asi ndiri kutumira hama kuitira kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu nokuda kwenyaya iyi kurege kuratidzwa pasina chinhu, asi kuti muve makagadzirira sezvandakataura kuti muite.

4. Nokuti zvimwe kana vamwe veMasedhonia vakauya neni uye vakakuwanai musina kugadzirira, isu tisingarevi chimwe chinhu pamusoro penyu, tichanyadziswa nokuda kwokuti takanga tichivimba nemi.

5. Saka ndakaona zvakafanira kuti ndikurudzire hama kuti dzikushanyirei pachine nguva uye kuti mugopedzisa kugadzirira nezvechipo chikuru chamakavimbisa. Ipapo chichava chipo chakagadzirirwa chakapiwa nomufaro, kwete sechipo chokumanikidzirwa.

6. Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.

7. Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.

8. Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka.

9. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo;kururama kwake kunogara nokusingaperi.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 9