Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 9:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji yokudyara uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu.

11. Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe.

12. Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari.

13. Nokuda kwoushumiri uhwo hwamakazviratidza nahwo, vanhu vacharumbidza Mwari nokuda kwokuteerera kwenyu kunoenderana nokupupura kwenyu vhangeri raKristu, uye nokuda kwokugoverana kwenyu navo zvizhinji uye navamwe vose.

14. Uye muminyengetero yavo pamusoro penyu mwoyo yavo ichakushuvai, nokuda kwenyasha huru kwazvo dzamakapiwa naMwari.

15. Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa!

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 9