Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 3:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza?

2. Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose.

3. Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu.

4. Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 3