Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai.

2. Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza?

3. Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu.

4. Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri.

Kuregererwa kwoMutadzi

5. Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda.

6. Kurova uku kwavanhu vazhinji kwakamuringana.

7. Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya.

8. Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari.

9. Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose.

10. Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu,

11. kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.

Vashumiri veSungano Itsva

12. Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo,

13. ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia.

14. Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose munhuwi woruzivo rwake.

15. Nokuti isu tiri munhuwi wakanaka waKristu kuna Mwari pakati paavo vari kuponeswa navari kuparara.

16. Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri munhuwi woupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai?

17. Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.