Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 11:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Mukuzvirumbidza pachangu, handizi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi.

18. Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza.

19. Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera!

20. Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso.

21. Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo.Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo.

22. Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri.

23. Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji.

24. Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe.

25. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa,

26. ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 11