Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 11:15-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.

16. Ndinopamhidza kuti: Ngakurege kuva nomunhu anonditi ndiri benzi. Asi kana muchidaro, naizvozvo ndigamuchirei sebenzi, kuitira kuti ndigozvirumbidzawo zvishoma.

17. Mukuzvirumbidza pachangu, handizi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi.

18. Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza.

19. Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera!

20. Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso.

21. Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo.Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo.

22. Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri.

23. Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji.

24. Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe.

25. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa,

26. ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema.

27. Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka.

28. Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.

29. Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu?

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 11