Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 11:14-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza.

15. Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.

16. Ndinopamhidza kuti: Ngakurege kuva nomunhu anonditi ndiri benzi. Asi kana muchidaro, naizvozvo ndigamuchirei sebenzi, kuitira kuti ndigozvirumbidzawo zvishoma.

17. Mukuzvirumbidza pachangu, handizi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi.

18. Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza.

19. Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera!

20. Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso.

21. Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo.Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo.

22. Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 11