Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 10:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo!

2. Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino.

3. Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino.

4. Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare.

5. Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 10