Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu,Kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose:

2. Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichiva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

3. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose,

4. ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

5. Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu paupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.

6. Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo.

7. Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.

8. Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatagona kutsunga, zvokuti takademba kufa.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 1